-
2 Corinthians 7
- 1 Zvatine zvivimbiso izvi, vadikanwi, ngatizvinatse patsvina yese yenyama neyemweya, tipedzise utsvene mukutya Mwari.
- 2 Gamuchirai isu; hatina kuitira munhu chakaipa, hatina kukanganisira munhu, hatina kubatira munhu.
- 3 Handitauriri kupa mhosva; nokuti ndamboreva, kuti muri mumoyo medu, kuti tife nekurarama pamwe.
- 4 Ushingi hwenhauro yangu kwamuri hukuru, kuzvirumbidza kwangu kukuru pamusoro penyu; ndakazadzwa nenyaradzo, ndakawanzirwa mufaro padambudziko redu rese.
- 5 Nokutiwo tasvika kuMakedhonia, nyama yedu haina kuva nezororo, asi takadzvinyirirwa pazvese; kunze kukakavara, mukati kutya.
- 6 Asi Mwari, anonyaradza vakasuruvadzwa, wakatinyaradza nekusvika kwaTito;
- 7 uye kwete pakusvika kwake chete, asi nepakunyaradzwa kwaakanyaradzwa nako pamusoro penyu, achitiudza zvechishuwo chenyu, kuchema kwenyu, kushingaira kwenyu pamusoro pangu, zvekuti ndakanyanya kufara.
- 8 Nokuti kunyange ndakakusuruvadzai netsamba, handizvidembi, kunyange ndichizvidemba; nokuti ndinoona kuti tsamba iyoyo yakakusuruvadzai, kunyange kuri kwenguva diki.
- 9 Ikozvino ndinofara, kwete kuti makasuruvadzwa, asi kuti makasuruvadzika mukatendeuka; nokuti makasuruvadzwa nenzira yeuMwari, kuti murege kurasikirwa nechinhu nekuda kwedu.
- 10 Nokuti kuchema nenzira yeuMwari kunouisa kutendeuka rwuve ruponeso rwausingazvidembi narwo; asi kuchema nenzira yenyika kunouisa rufu.
- 11 Nokuti tarirai, chinhu ichocho, kuti makasuruvadzwa nenzira yeuMwari, chakauisa mukati menyu shungu dzakadini, inga kuzvidavirira, inga kutsamwa, inga kutya, inga chishuvo chakasimba, inga kushingaira, inga kutsiva. Pazvese makazviratidza kuti makachena pachiitiko ichi.
- 12 Naizvozvo kanawo ndakakunyorerai, ndakazviita kwete nekuda kwewakatadza, kana nekuda kwaiye wakatadzirwa, asi kuti kukushingairirai kwedu kuratidzwe kwamuri pamberi paMwari.
- 13 Nemhaka iyi takanyaradzwa panyaradzo yenyu; hongu takafara zvikuru kwazvo pamufaro waTito, nokuti mweya wake wakavandudzwa kubva kwamuri mese.
- 14 Nokuti kana ndakazvikudza nechinhu kwaari pamusoro penyu, handinyadziswi; asi sezvatakataura zvinhu zvese kwamuri muchokwadi, saizvozvowo kuzvikudza kwedu kuri pamberi paTito kwakava chokwadi.
- 15 Nehanya dzake dzawedzerwa kwazvo kwamuri, achirangarira kuteerera kwenyu mese, kuti makamugamuchira sei nekutya uye kudedera.
- 16 Ndinofara naizvozvo kuti pazvese ndine chivimbo mamuri.
-
World English Bible (web)
- Afrikaans
- Albanian
- Arabic
- Armenian
- Basque
- Breton
- Calo
- Chamorro
- Cherokee
- Chinese
- Coptic
- Croatian
- Czech
- Danish
- Dari
- Dutch
-
English
American King James Version (akjv) American Standard Version (asv) Basic English Bible (basicenglish) Douay Rheims (douayrheims) John Wycliffe Bible (c.1395) (wycliffe) King James Version (kjv) King James Version (1769) with Strongs Numbers and Morphology and CatchWords, including Apocrypha (without glosses) (kjva) Webster's Bible (wb) Weymouth NT (weymouth) William Tyndale Bible (1525/1530) (tyndale) World English Bible (web) Young's Literal Translation (ylt)
- English and Klingon.
- Esperanto
- Estonian
- Finnish
- French
- German
- Gothic
- Greek
- Greek Modern
- Hebrew
- Hungarian
- Italian
- Japanese
- Korean
- Latin
- Latvian
- Lithuanian
- Malagasy
- Malayalam
- Manx Gaelic
- Maori
- Mongolian
- Myanmar Burmse
- Ndebele
- Norwegian bokmal
- Norwegian nynorsk
- Pohnpeian
- Polish
- Portuguese
- Potawatomi
- Romanian
- Russian
- Scottish Gaelic
- Serbian
- Shona
- Slavonic Elizabeth
- Spanish
- Swahili
- Swedish
- Syriac
- Tagalog
- Tausug
- Thai
- Tok Pisin
- Turkish
- Ukrainian
- Uma
- Vietnamese
-
Shona Bible (shona - 2.1.1)
2019-01-07Shona (sn)
The Shona Bible that is offered here to you is a work in progress at the time of writing 2013.
- Encoding: UTF-8
- Direction: LTR
- LCSH: Bible.Shona
- Distribution Abbreviation: shona
License
GFDL
Source (OSIS)
http://bibleconsultants.nl/downloads/shona/new-testament-2013/
- history_1.1
- Minor addition to .conf data
- history_2.0
- (2017-08-19) Text updated up until 2013
- history_2.0.1
- (2017-08-23) Minor conf change
- history_2.1
- (2019-01-07) Tool chain update
- history_2.1.1
- (2022-08-06) Fix repeated MinimumVersion in conf file

Favourite Verse
You should select one of your favourite verses.
This verse in combination with your session key will be used to authenticate you in the future.
This is currently the active session key.
Should you have another session key from a previous session.
You can add it here to load your previous session.