-
2 Corinthians 3
- 1 Tinotangazve kuzviratidza here? Kana tinotsvaka here, sevamwe, tsamba dzekuzviratidza kwamuri, kana dzekuratidza kunobva kwamuri?
- 2 Imwi muri tsamba yedu, yakanyorwa mumoyo yedu, inozikanwa nekuverengwa nevanhu vese;
- 3 muchiratidzwa kuti muri tsamba yaKristu inoshandiswa nesu, yakanyorwa kwete neingi, asi neMweya waMwari anorarama; kwete pamahwendefa emabwe, asi pamahwendefa enyama emoyo.
- 4 Nechivimbo chakadai tinacho naKristu kuna Mwari;
- 5 kwete kuti tinokwanisa isu pachedu kufunga chimwe chinhu sechinobva kwatiri, asi kukwanisa kwedu kunobva kuna Mwari;
- 6 iye wakatigonesa kuva vashumiri vesungano itsva, kwete yechakanyorwa asi yeMweya; nokuti chakanyorwa chinouraya, asi Mweya unoraramisa.
- 7 Asi kana ushumiri hwerufu, pazvinyorwa zvakavezwa pamabwe hwakasvikira mukubwinya, zvekuti vana vaIsraeri vakakoniwa kutarisisa chiso chaMozisi nekuda kwekubwinya kwechiso chake, kwaipedzwa,
- 8 ko shumiro yeMweya haingazovi nekubwinya kukuru here?
- 9 Nokuti kana shumiro yekupiwa mhosva iri kubwinya, shumiro yekururama ichakunda zvikuru sei mukubwinya.
- 10 Nokuti kunyange icho chakabwinyiswa hachina kubwinyiswa pachinhu ichi nekuda kwekubwinya uku kwakanyanyisa.
- 11 Nokuti kana icho chinopedzwa chaiva nekubwinya, zvikuru sei icho chinogara, pakubwinya.
- 12 Naizvozvo tine tariro yakadai, tinoshandisa ushingi ukuru mukutaura;
- 13 uye kwete saMozisi waiisa chifukidziro pachiso chake, kuti vana vaIsraeri varege kutarisisa kuguma kwezvinopedzwa.
- 14 Asi fungwa dzavo dzakaomeswa, nokuti kusvikira zuva rino chifukidziro ichochi chichiripo chisina kubviswa pakuverengwa kwetesitamende yekare, chakapedzwa muna Kristu.
- 15 Asi kusvikira zuva rino, kana kuchiverengwa Mozisi, chifukidziro chirere pamoyo wavo.
- 16 Chero rinhi kana achidzokera kuna Ishe, chifukidziro chinobviswa.
- 17 Zvino Ishe ndiye Mweya; uye pane Mweya waIshe pane rusununguko.
- 18 Asi isu tese, nechiso chakashama tichiona sepachionioni kubwinya kwaIshe, tinoshandurirwa kumufananidzo iwoyo kubva pakubwinya kuenda pakubwinya, sezvinobva kuMweya waIshe.
-
World English Bible (web)
- Afrikaans
- Albanian
- Arabic
- Armenian
- Basque
- Breton
- Calo
- Chamorro
- Cherokee
- Chinese
- Coptic
- Croatian
- Czech
- Danish
- Dari
- Dutch
-
English
American King James Version (akjv) American Standard Version (asv) Basic English Bible (basicenglish) Douay Rheims (douayrheims) John Wycliffe Bible (c.1395) (wycliffe) King James Version (kjv) King James Version (1769) with Strongs Numbers and Morphology and CatchWords, including Apocrypha (without glosses) (kjva) Webster's Bible (wb) Weymouth NT (weymouth) William Tyndale Bible (1525/1530) (tyndale) World English Bible (web) Young's Literal Translation (ylt)
- English and Klingon.
- Esperanto
- Estonian
- Finnish
- French
- German
- Gothic
- Greek
- Greek Modern
- Hebrew
- Hungarian
- Italian
- Japanese
- Korean
- Latin
- Latvian
- Lithuanian
- Malagasy
- Malayalam
- Manx Gaelic
- Maori
- Mongolian
- Myanmar Burmse
- Ndebele
- Norwegian bokmal
- Norwegian nynorsk
- Pohnpeian
- Polish
- Portuguese
- Potawatomi
- Romanian
- Russian
- Scottish Gaelic
- Serbian
- Shona
- Slavonic Elizabeth
- Spanish
- Swahili
- Swedish
- Syriac
- Tagalog
- Tausug
- Thai
- Tok Pisin
- Turkish
- Ukrainian
- Uma
- Vietnamese
-
Shona Bible (shona - 2.1.1)
2019-01-07Shona (sn)
The Shona Bible that is offered here to you is a work in progress at the time of writing 2013.
- Encoding: UTF-8
- Direction: LTR
- LCSH: Bible.Shona
- Distribution Abbreviation: shona
License
GFDL
Source (OSIS)
http://bibleconsultants.nl/downloads/shona/new-testament-2013/
- history_1.1
- Minor addition to .conf data
- history_2.0
- (2017-08-19) Text updated up until 2013
- history_2.0.1
- (2017-08-23) Minor conf change
- history_2.1
- (2019-01-07) Tool chain update
- history_2.1.1
- (2022-08-06) Fix repeated MinimumVersion in conf file

Favourite Verse
You should select one of your favourite verses.
This verse in combination with your session key will be used to authenticate you in the future.
This is currently the active session key.
Should you have another session key from a previous session.
You can add it here to load your previous session.