-
Titus 2
- 1 Zvino iwe taura zvinhu zvakafanira dzidziso yakagwinya.
- 2 Varume vakuru kuti vazvibate, vanokudzwa, vakangwara, vakagwinya parutendo, parudo, pakutsungirira;
- 3 saizvozvo vakadzi vakuru kuti pamafambiro vave sezvakafanira vatsvene, kwete vacheri, kwete varanda vewaini zhinji, vadzidzisi vezvinhu zvakanaka,
- 4 kuti vadzidzise vakadzi vadiki kuchenjera, kuda varume vavo, nekuda vana vavo,
- 5 vakazvibata, vakachena, vachengeti vemisha, vakanaka, vanozviisa pasi pevarume vavo pachavo, kuti shoko raMwari rirege kumhurwa.
- 6 Varume vadiki saizvozvo ukurudzire kuti vave vanozvidzora;
- 7 pazvinhu zvese iwe uzviratidze uri mufananidzo wamabasa akanaka, padzidziso yechokwadi, mugariro unokudzwa nekuvimbika,
- 8 shoko rakagwinya, risingashoreki, kuti uyo wedivi rinopikisa anyare, asina chinhu chakaipa chaangareva pamusoro penyu.
- 9 Kurudzira varanda kuzviisa pasi pavatenzi vavo pachavo, kuti vafadze pazvese, vasingakakavari,
- 10 vasinganyimi, asi varatidze kutendeka kwakanaka kwese, kuti vashongedze dzidziso yaMwari Muponesi wedu pazvese.
- 11 Nokuti nyasha dzaMwari dzinoponesa dzakaratidzwa kuvanhu vese,
- 12 dzichidzidzisa isu kuti, tirambe kusanamata Mwari uye kuchiva kwenyika, tirarame nekuchenjera uye kururama nekunamata Mwari panyika yaikozvino,
- 13 tichimirira tariro yakaropafadzwa nekuratidzwa kwekubwinya kwaMwari mukuru neMuponesi wedu Jesu Kristu,
- 14 wakazvipira isu, kuti adzikunure isu pakuipa kwese, uye azvichenurire vanhu vakasanangurwa, vanoshingairira mabasa akanaka.
- 15 Taura zvinhu izvi, uye kurudzira, uye tsiura nesimba rese. Kusava nemunhu anokuzvidza.
-
World English Bible (web)
- Afrikaans
- Albanian
- Arabic
- Armenian
- Basque
- Breton
- Calo
- Chamorro
- Cherokee
- Chinese
- Coptic
- Croatian
- Czech
- Danish
- Dari
- Dutch
-
English
American King James Version (akjv) American Standard Version (asv) Basic English Bible (basicenglish) Douay Rheims (douayrheims) John Wycliffe Bible (c.1395) (wycliffe) King James Version (kjv) King James Version (1769) with Strongs Numbers and Morphology and CatchWords, including Apocrypha (without glosses) (kjva) Webster's Bible (wb) Weymouth NT (weymouth) William Tyndale Bible (1525/1530) (tyndale) World English Bible (web) Young's Literal Translation (ylt)
- English and Klingon.
- Esperanto
- Estonian
- Finnish
- French
- German
- Gothic
- Greek
- Greek Modern
- Hebrew
- Hungarian
- Italian
- Japanese
- Korean
- Latin
- Latvian
- Lithuanian
- Malagasy
- Malayalam
- Manx Gaelic
- Maori
- Mongolian
- Myanmar Burmse
- Ndebele
- Norwegian bokmal
- Norwegian nynorsk
- Pohnpeian
- Polish
- Portuguese
- Potawatomi
- Romanian
- Russian
- Scottish Gaelic
- Serbian
- Shona
- Slavonic Elizabeth
- Spanish
- Swahili
- Swedish
- Syriac
- Tagalog
- Tausug
- Thai
- Tok Pisin
- Turkish
- Ukrainian
- Uma
- Vietnamese
-
Shona Bible (shona - 2.1.1)
2019-01-07Shona (sn)
The Shona Bible that is offered here to you is a work in progress at the time of writing 2013.
- Encoding: UTF-8
- Direction: LTR
- LCSH: Bible.Shona
- Distribution Abbreviation: shona
License
GFDL
Source (OSIS)
http://bibleconsultants.nl/downloads/shona/new-testament-2013/
- history_1.1
- Minor addition to .conf data
- history_2.0
- (2017-08-19) Text updated up until 2013
- history_2.0.1
- (2017-08-23) Minor conf change
- history_2.1
- (2019-01-07) Tool chain update
- history_2.1.1
- (2022-08-06) Fix repeated MinimumVersion in conf file

Favourite Verse
You should select one of your favourite verses.
This verse in combination with your session key will be used to authenticate you in the future.
This is currently the active session key.
Should you have another session key from a previous session.
You can add it here to load your previous session.