-
Romans 12
- 1 Naizvozvo ndinokukumbirisai, hama, netsitsi dzaMwari, mupire miviri yenyu, chive chibairo chipenyu, chitsvene, chinogamuchirika kuna Mwari, ndiko kunamata kwenyu kunonzwisisika.
- 2 Uye musazvifananidza nenyika ino, asi mushandurwe nekuvandudzwa kwefungwa yenyu, kuti muidze chiri chido chaMwari chakanaka uye chinogamuchirika uye chakazara.
- 3 Nokuti ndinoti, nenyasha dzakapiwa kwandiri, kune umwe neumwe ari pakati penyu, arege kuzvifunga kuti mukuru kupfuura paanofanira kufunga napo; asi afunge neuchenjeri, Mwari sezvaakagovera umwe neumwe chiyero cherutendo.
- 4 Nokuti sezvatine mitezo mizhinji pamuviri umwe, asi mitezo yese haina basa rakafanana;
- 5 saizvozvo tiri vazhinji, tiri muviri umwe muna Kristu, uye umwe neumwe tiri mitezo weumwe kune umwe.
- 6 Uye tine zvipo zvakasiyana maererano nenyasha dzinopiwa kwatiri; kungava kuporofita, ngatiporofite nechiyero cherutendo;
- 7 kana ushumiri, ngatishande paushumiri; kana anodzidzisa, pakudzidzisa;
- 8 kana anoraira, pakuraira; anopa, ngaape nemoyo wese; anotonga, ngaatonge nekushingaira; anoitira tsitsi, nemufaro.
- 9 Rudo ngaruve rwechokwadi. Semai zvakaipa, makanamatira zvakanaka.
- 10 Dananai zvikuru nerudo rwehama; pakukudza muchitangirana.
- 11 Musava neusimbe pakushingaira; mupise pamweya; muchishumira Ishe;
- 12 muchifara mutariro; muchitsungirira padambudziko; muchirambira mumunyengetero;
- 13 muchigovera pakushaiwa kwevatsvene; muchishingirira kugamuchira vaeni.
- 14 Ropafadzai vanokushushai; ropafadzai, musatuka.
- 15 Farai nevanofara, uye chemai nevanochema.
- 16 Ivai vemoyo umwe, umwe kune umwe. Musafunganya zvinhu zvakakwirira, asi mufambidzane navanozvininipisa. Musazviidza vakachenjera.
- 17 Musatsiva ani zvake chakaipa nechakaipa. Muchirangarirai zvakarurama pamberi pevanhu vese.
- 18 Kana zvichigona, sezvinobva kwamuri, garai nerugare nevanhu vese.
- 19 Vadikanwi, musazvitsivira, asi ipai hasha nzvimbo; nokuti kwakanyorwa kuchinzi: Kutsiva ndekwangu, ini ndicharipira, anodaro Ishe.
- 20 Naizvozvo kana muvengi wako ane nzara, mupe kudya; kana ane nyota, munwise; nokuti mukuita izvozvo, uchadurikidza mazimbe emoto pamusoro wake.
- 21 Usakundwa nechakaipa, asi kunda chakaipa nechakanaka.
-
World English Bible (web)
- Afrikaans
- Albanian
- Arabic
- Armenian
- Basque
- Breton
- Calo
- Chamorro
- Cherokee
- Chinese
- Coptic
- Croatian
- Czech
- Danish
- Dari
- Dutch
-
English
American King James Version (akjv) American Standard Version (asv) Basic English Bible (basicenglish) Douay Rheims (douayrheims) John Wycliffe Bible (c.1395) (wycliffe) King James Version (kjv) King James Version (1769) with Strongs Numbers and Morphology and CatchWords, including Apocrypha (without glosses) (kjva) Webster's Bible (wb) Weymouth NT (weymouth) William Tyndale Bible (1525/1530) (tyndale) World English Bible (web) Young's Literal Translation (ylt)
- English and Klingon.
- Esperanto
- Estonian
- Finnish
- French
- German
- Gothic
- Greek
- Greek Modern
- Hebrew
- Hungarian
- Italian
- Japanese
- Korean
- Latin
- Latvian
- Lithuanian
- Malagasy
- Malayalam
- Manx Gaelic
- Maori
- Mongolian
- Myanmar Burmse
- Ndebele
- Norwegian bokmal
- Norwegian nynorsk
- Pohnpeian
- Polish
- Portuguese
- Potawatomi
- Romanian
- Russian
- Scottish Gaelic
- Serbian
- Shona
- Slavonic Elizabeth
- Spanish
- Swahili
- Swedish
- Syriac
- Tagalog
- Tausug
- Thai
- Tok Pisin
- Turkish
- Ukrainian
- Uma
- Vietnamese
-
Shona Bible (shona - 2.1.1)
2019-01-07Shona (sn)
The Shona Bible that is offered here to you is a work in progress at the time of writing 2013.
- Encoding: UTF-8
- Direction: LTR
- LCSH: Bible.Shona
- Distribution Abbreviation: shona
License
GFDL
Source (OSIS)
http://bibleconsultants.nl/downloads/shona/new-testament-2013/
- history_1.1
- Minor addition to .conf data
- history_2.0
- (2017-08-19) Text updated up until 2013
- history_2.0.1
- (2017-08-23) Minor conf change
- history_2.1
- (2019-01-07) Tool chain update
- history_2.1.1
- (2022-08-06) Fix repeated MinimumVersion in conf file

Favourite Verse
You should select one of your favourite verses.
This verse in combination with your session key will be used to authenticate you in the future.
This is currently the active session key.
Should you have another session key from a previous session.
You can add it here to load your previous session.