-
Hebrews 2
- 1 Nekuda kweizvozvi tinofanira kuchenjerera zvikuru kuzvinhu zvatakanzwa, zvimwe tingakukurwa.
- 2 Nokuti kana shoko rakataurwa nevatumwa rakange rakasimba, uye kudarika kwese nekusateerera kwakagamuchira kutsiva kwakarurama,
- 3 isu tichapukunyuka sei kana tisina hanya neruponeso rukuru rwakadai? Irwo pakutanga rwakataurwa naIshe, rukasimbiswa kwatiri naivo vakanzwa,
- 4 Mwari achivapupurirawo zvese nezviratidzo nezvishamiso, nemasimba akasiyana-siyana, nezvipo zveMweya Mutsvene, zvichienderana nechido chake.
- 5 Nokuti haana kuisa nyika inouya pasi pevatumwa, yatinotaura nezvayo.
- 6 Asi umwe pane imwe nzvimbo wakapupura achiti: Munhu chii, kuti mumurangarire? kana mwanakomana wemunhu, kuti muve nehanya naye?
- 7 Makamuderedza zvishoma kuvatumwa; makamushongedza korona nekubwinya nerukudzo, ndokumumisa pamusoro pemabasa emaoko enyu.
- 8 Zvinhu zvese makaisa pasi petsoka dzake. Nokuti pane izvozvi wakaisa zvese pasi pake, haana kusiya chinhu chisina kuiswa pasi pake. Asi ikozvino tigere kuona zvinhu zvese zvakaiswa pasi pake.
- 9 Asi tinoona Jesu, akaderedzwa zvishoma kuvatumwa, nekuda kwedambudziko rerufu, akashongedzwa korona nekubwinya nerukudzo, kuti iye nenyasha dzaMwari aravire rufu achiitira wese.
- 10 Nokuti zvakange zvakamufanira, iye zvinhu zvese zviripo nekuda kwake, uye kubudikidza naye zvese zviripo, pakuisa vanakomana vazhinji mukubwinya, apedzeredze mutungamiriri weruponeso rwavo kubudikidza nematambudziko.
- 11 Nokuti neanovaitisa vatsvene naivo vanoitwa vatsvene vese vakabva kune umwe; nemhaka iyi haanyadziswi kuvaidza hama,
- 12 achiti: Ndichaparidzira zita renyu kuhama dzangu, pakati pekereke ndichakuimbirai rumbidzo.
- 13 Uyezve: Ini ndichavimba naye. Uyezve: Tarirai ini nevana Mwari vaakandipa.
- 14 Naizvozvo sezvo vana vari vagovani venyama neropa, naiye pachake wakagovana navo izvozvi; kuti kubudikidza nerufu iye aparadze uyo ane simba rerufu, iye dhiabhorosi,
- 15 agosunungura avo vese kubudikidza nekutya rufu vaiva pasi peuranda upenyu hwese.
- 16 Nokuti zvirokwazvo haazvitoreri vatumwa, asi wakazvitorera mbeu yaAbhurahama.
- 17 Naizvozvo wakafanira pazvinhu zvese kufananidzwa nehama dzake, kuti ave mupristi mukuru ane tsitsi nekutendeka pazvinhu zvaMwari, kuti aite muripo wezvivi zvevanhu.
- 18 Nokuti pane izvozvo iye amene wakatambudzika achiedzwa, anogona kubatsira vanoedzwa.
-
World English Bible (web)
- Afrikaans
- Albanian
- Arabic
- Armenian
- Basque
- Breton
- Calo
- Chamorro
- Cherokee
- Chinese
- Coptic
- Croatian
- Czech
- Danish
- Dari
- Dutch
-
English
American King James Version (akjv) American Standard Version (asv) Basic English Bible (basicenglish) Douay Rheims (douayrheims) John Wycliffe Bible (c.1395) (wycliffe) King James Version (kjv) King James Version (1769) with Strongs Numbers and Morphology and CatchWords, including Apocrypha (without glosses) (kjva) Webster's Bible (wb) Weymouth NT (weymouth) William Tyndale Bible (1525/1530) (tyndale) World English Bible (web) Young's Literal Translation (ylt)
- English and Klingon.
- Esperanto
- Estonian
- Finnish
- French
- German
- Gothic
- Greek
- Greek Modern
- Hebrew
- Hungarian
- Italian
- Japanese
- Korean
- Latin
- Latvian
- Lithuanian
- Malagasy
- Malayalam
- Manx Gaelic
- Maori
- Mongolian
- Myanmar Burmse
- Ndebele
- Norwegian bokmal
- Norwegian nynorsk
- Pohnpeian
- Polish
- Portuguese
- Potawatomi
- Romanian
- Russian
- Scottish Gaelic
- Serbian
- Shona
- Slavonic Elizabeth
- Spanish
- Swahili
- Swedish
- Syriac
- Tagalog
- Tausug
- Thai
- Tok Pisin
- Turkish
- Ukrainian
- Uma
- Vietnamese
-
Shona Bible (shona - 2.1.1)
2019-01-07Shona (sn)
The Shona Bible that is offered here to you is a work in progress at the time of writing 2013.
- Encoding: UTF-8
- Direction: LTR
- LCSH: Bible.Shona
- Distribution Abbreviation: shona
License
GFDL
Source (OSIS)
http://bibleconsultants.nl/downloads/shona/new-testament-2013/
- history_1.1
- Minor addition to .conf data
- history_2.0
- (2017-08-19) Text updated up until 2013
- history_2.0.1
- (2017-08-23) Minor conf change
- history_2.1
- (2019-01-07) Tool chain update
- history_2.1.1
- (2022-08-06) Fix repeated MinimumVersion in conf file

Favourite Verse
You should select one of your favourite verses.
This verse in combination with your session key will be used to authenticate you in the future.
This is currently the active session key.
Should you have another session key from a previous session.
You can add it here to load your previous session.