-
Ephesians 4
- 1 Naizvozvo ndinokukumbirisai, ini musungwa muna Ishe, kuti mufambe zvakafanira kudanwa kwamakadanwa nako,
- 2 pamwe nekuzvininipisa kwese neunyoro, nemoyo murefu, muchiitirana moyo murefu murudo,
- 3 muchishingaira kuchengeta umwe hweMweya muchisungo cherugare.
- 4 Kune muviri umwe uye Mweya umwe, sezvamakadanwawo mutariro imwe yekudanwa kwenyu;
- 5 Ishe umwe, rutendo rumwe, rubhabhatidzo rwumwe,
- 6 Mwari umwe naBaba vevese, ari pamusoro pevese, uye kubudikidza nevese, nekwamuri mese.
- 7 Asi kune umwe neumwe wedu kwakapiwa nyasha zvichienderana nechiyero chechipo chaKristu.
- 8 Naizvozvo anoti: Paakakwira kumusoro, wakatapa utapwa, akapa zvipo kuvanhu.
- 9 Zvino izvi kuti: Wakakwira, chii kunze kwekuti wakaburukawo pakutanga kunzvimbo dzakaderera dzenyika?
- 10 Wakaburuka ndiyewo wakakwira kumusoro-soro kwematenga ese, kuti azadzise zvinhu zvese.
- 11 Zvino iye wakapa vamwe kuva vaapositori, nevamwe vaporofita, nevamwe vaevhangeri, nevamwe vafudzi nevadzidzisi,
- 12 kuitira kukwaniswa kwevatsvene, pabasa reushumiri, pakuvakwa kwemuviri waKristu;
- 13 kusvikira tese tasvika paumwe hwerutendo, nehweruzivo rweMwanakomana waMwari, pamurume wakazara, pachiyero chechimiro chekuzara kwaKristu;
- 14 kuti tisazova vacheche, vanodzungaidzwa nemafungu kuenda nekudzoka nekupepereswa nemhepo ipi neipi yedzidziso, nekunyengera kwevanhu, pakunyengera, kumano ekutsauka;
- 15 asi titaure chokwadi murudo, tigokura maari pazvinhu zvese, iye musoro, Kristu;
- 16 kunobva kwaari muviri wese, wakabatanidzwa pamwe zvakaringana nekuumbanidzwa, kubudikidza nemudemhe-mudemhe wefundo rimwe nerimwe, zvichienderana nemashandiro muchiero chenhengo imwe neimwe achikurisa muviri pakuvakwa kwawo murudo.
- 17 Naizvozvo ndinoreva ichi, nekupupura muna Ishe, kuti imwi kubva zvino musachifamba sevamwe vahedheni vanofamba mukushaya maturo kwefungwa yavo,
- 18 vakasvibiridzwa mufungwa, vari vatorwa paupenyu hwaMwari nekuda kwekusaziva kuri mukati mavo, nekuda koukukutu hwemoyo yavo;
- 19 ivo vakazvipa vatindivara kuunzenza, kuti vabate utsvina hwese neruchiva.
- 20 Asi imwi hamuna kudzidza Kristu saizvozvo,
- 21 kana zvakadaro makamunzwa nekudzidziswa maari, sezvo chokwadi chiri muna Jesu;
- 22 kuti murase zvinoenderana nemufambiro wekutanga, munhu wekare, anoodzwa nekuchiva kwekunyengera;
- 23 uye muvandudzwe mumweya wefungwa yenyu,
- 24 uye kuti mufuke munhu mutsva, wakasikwa maererano naMwari mukururama neutsvene hwechokwadi.
- 25 Naizvozvo muchiisa nhema parutivi, mutaure chokwadi umwe neumwe kune umwe wake; nokuti tiri mitezo, umwe weumwe.
- 26 Tsamwai musingatadzi; zuva ngarirege kuvira pamusoro pekutsamwa kwenyu;
- 27 uye musapa dhiabhorosi nzvimbo.
- 28 Wakaba ngaarege kubazve; asi zviri nani kuti abate nesimba chinhu chakanaka nemaoko, kuti ave nechaangapa anoshaiwa.
- 29 Shoko ripi zvaro rakaora ngarirege kubuda mumuromo menyu, asi chero kana rakanakira kuvaka sezvakafanira, kuti ripe nyasha kune vanonzwa.
- 30 Uye regai kushungurudza Mweya Mutsvene waMwari, wamakaiswa mucherechedzo maari kusvikira pazuva redzukunuro.
- 31 Shungu dzese, nehasha, nekutsamwa, nekupopota, nekutuka ngazvibviswe kwamuri neuipi hwese;
- 32 asi ivai nemoyo munyoro umwe kune mumwe, muchinzwira tsitsi, muchikanganwirana, Mwari sezvaakakukanganwiraiwo muna Kristu.
-
World English Bible (web)
- Afrikaans
- Albanian
- Arabic
- Armenian
- Basque
- Breton
- Calo
- Chamorro
- Cherokee
- Chinese
- Coptic
- Croatian
- Czech
- Danish
- Dari
- Dutch
-
English
American King James Version (akjv) American Standard Version (asv) Basic English Bible (basicenglish) Douay Rheims (douayrheims) John Wycliffe Bible (c.1395) (wycliffe) King James Version (kjv) King James Version (1769) with Strongs Numbers and Morphology and CatchWords, including Apocrypha (without glosses) (kjva) Webster's Bible (wb) Weymouth NT (weymouth) William Tyndale Bible (1525/1530) (tyndale) World English Bible (web) Young's Literal Translation (ylt)
- English and Klingon.
- Esperanto
- Estonian
- Finnish
- French
- German
- Gothic
- Greek
- Greek Modern
- Hebrew
- Hungarian
- Italian
- Japanese
- Korean
- Latin
- Latvian
- Lithuanian
- Malagasy
- Malayalam
- Manx Gaelic
- Maori
- Mongolian
- Myanmar Burmse
- Ndebele
- Norwegian bokmal
- Norwegian nynorsk
- Pohnpeian
- Polish
- Portuguese
- Potawatomi
- Romanian
- Russian
- Scottish Gaelic
- Serbian
- Shona
- Slavonic Elizabeth
- Spanish
- Swahili
- Swedish
- Syriac
- Tagalog
- Tausug
- Thai
- Tok Pisin
- Turkish
- Ukrainian
- Uma
- Vietnamese
-
Shona Bible (shona - 2.1.1)
2019-01-07Shona (sn)
The Shona Bible that is offered here to you is a work in progress at the time of writing 2013.
- Encoding: UTF-8
- Direction: LTR
- LCSH: Bible.Shona
- Distribution Abbreviation: shona
License
GFDL
Source (OSIS)
http://bibleconsultants.nl/downloads/shona/new-testament-2013/
- history_1.1
- Minor addition to .conf data
- history_2.0
- (2017-08-19) Text updated up until 2013
- history_2.0.1
- (2017-08-23) Minor conf change
- history_2.1
- (2019-01-07) Tool chain update
- history_2.1.1
- (2022-08-06) Fix repeated MinimumVersion in conf file

Favourite Verse
You should select one of your favourite verses.
This verse in combination with your session key will be used to authenticate you in the future.
This is currently the active session key.
Should you have another session key from a previous session.
You can add it here to load your previous session.