-
1 Corinthians 3
- 1 Zvino ini, hama, ndakange ndisingagoni kutaura nemwi sekune veMweya, asi sekune venyama, sekune vacheche muna Kristu.
- 2 Ndakakunwisai mukaka, uye kwete kudya kukukutu; nokuti makange musati mogona kudya, asi naikozvino hamusati mogona;
- 3 nokuti muchiri venyama; nokuti zvapachine godo pakati penyu, negakava nekupatsanurana, hamusi venyama, muchifamba zvinoenderana nemunhu here?
- 4 Nokuti kana umwe achiti: Ini ndiri waPauro, neumwe achiti: Ini waAporo, hamusi venyama here?
- 5 Ko Pauro chii, naAporo chii, asi vabati vamakatenda kubudikidza navo, Ishe sezvaanopawo umwe neumwe?
- 6 Ini ndakadzvara, Aporo wakadiridza, asi Mwari wakakurisa.
- 7 Naizvozvo anodzvara haasi chinhu, kana anodiridza, asi Mwari anokudza.
- 8 Zvino anodzvara neanodiridza ndevamwe; asi umwe neumwe achagamuchira mubairo wake zvichienderana nebasa rake.
- 9 Nokuti tiri vashandi vaMwari pamwe naye; muri munda waMwari, chivakwa chaMwari.
- 10 Zvichienderana nenyasha dzaMwari dzakapiwa kwandiri, semuvaki nyanzvi wakachenjera ndakaronga nheyo, uye umwe anovaka pamusoro payo. Asi umwe neumwe ngaachenjerere kuti anovaka sei pamusoro payo.
- 11 Nokuti hakuna umwe anogona kuisa imwe nheyo kunze kweiyo yakaiswa, inova Jesu Kristu.
- 12 Zvino kana umwe achivaka pamusoro penheyo iyi, goridhe, sirivheri, mabwe anokosha, matanda, uswa, mashanga,
- 13 basa reumwe neumwe richaratidzwa; nokuti zuva richazvibudisa pachena, nokuti richazarurwa mumoto; uye moto uchaidza basa reumwe neumwe kuti rakadini.
- 14 Kana basa raani nani raakavaka pamusoro payo richigara, achagamuchira mubairo.
- 15 Kana basa raani nani richizopiswa, acharasikirwa; asi iye amene achaponeswa, asi saizvozvo sewakabuda nemumoto.
- 16 Hamuzivi here kuti muri tembere yaMwari, uye Mweya waMwari unogara mamuri?
- 17 Kana ani nani achiparadza tembere yaMwari, Mwari achamuparadza iye; nokuti tembere yaMwari itsvene, yamuri imwi.
- 18 Ngakurege kuva neanozvinyengera; kana umwe pakati penyu achifunga kuti wakachenjera panyika ino, ngaave benzi, kuti ave wakachenjera.
- 19 Nokuti uchenjeri hwenyika ino upenzi kuna Mwari. Nokuti kwakanyorwa kuchinzi: Anobata vakachenjera paumhare hwavo;
- 20 uyezve: Ishe anoziva ndangariro dzevakachenjera, kuti hadzina maturo.
- 21 Naizvozvo ngakurege kuva neanozvikudza nevanhu; nokuti zvinhu zvese ndezvenyu,
- 22 kana Pauro, kana Aporo, kana Kefasi, kana nyika, kana upenyu, kana rufu, kana zvinhu zviripo, kana zvinhu zvinouya; zvese ndezvenyu,
- 23 uye imwi muri vaKristu, naKristu ndewaMwari.
-
World English Bible (web)
- Afrikaans
- Albanian
- Arabic
- Armenian
- Basque
- Breton
- Calo
- Chamorro
- Cherokee
- Chinese
- Coptic
- Croatian
- Czech
- Danish
- Dari
- Dutch
-
English
American King James Version (akjv) American Standard Version (asv) Basic English Bible (basicenglish) Douay Rheims (douayrheims) John Wycliffe Bible (c.1395) (wycliffe) King James Version (kjv) King James Version (1769) with Strongs Numbers and Morphology and CatchWords, including Apocrypha (without glosses) (kjva) Webster's Bible (wb) Weymouth NT (weymouth) William Tyndale Bible (1525/1530) (tyndale) World English Bible (web) Young's Literal Translation (ylt)
- English and Klingon.
- Esperanto
- Estonian
- Finnish
- French
- German
- Gothic
- Greek
- Greek Modern
- Hebrew
- Hungarian
- Italian
- Japanese
- Korean
- Latin
- Latvian
- Lithuanian
- Malagasy
- Malayalam
- Manx Gaelic
- Maori
- Mongolian
- Myanmar Burmse
- Ndebele
- Norwegian bokmal
- Norwegian nynorsk
- Pohnpeian
- Polish
- Portuguese
- Potawatomi
- Romanian
- Russian
- Scottish Gaelic
- Serbian
- Shona
- Slavonic Elizabeth
- Spanish
- Swahili
- Swedish
- Syriac
- Tagalog
- Tausug
- Thai
- Tok Pisin
- Turkish
- Ukrainian
- Uma
- Vietnamese
-
Shona Bible (shona - 2.1.1)
2019-01-07Shona (sn)
The Shona Bible that is offered here to you is a work in progress at the time of writing 2013.
- Encoding: UTF-8
- Direction: LTR
- LCSH: Bible.Shona
- Distribution Abbreviation: shona
License
GFDL
Source (OSIS)
http://bibleconsultants.nl/downloads/shona/new-testament-2013/
- history_1.1
- Minor addition to .conf data
- history_2.0
- (2017-08-19) Text updated up until 2013
- history_2.0.1
- (2017-08-23) Minor conf change
- history_2.1
- (2019-01-07) Tool chain update
- history_2.1.1
- (2022-08-06) Fix repeated MinimumVersion in conf file

Favourite Verse
You should select one of your favourite verses.
This verse in combination with your session key will be used to authenticate you in the future.
This is currently the active session key.
Should you have another session key from a previous session.
You can add it here to load your previous session.